Psalms 15

Pisarema raDhavhidhi.

1Jehovha, ndiani angagara munzvimbo yenyu tsvene?
Ndiani angagara pagomo renyu dzvene?

2Iye anofamba asina chaanopomerwa uye
anoita zvakarurama,
anotaura chokwadi zvichibva pamwoyo wake,
3uye asina makuhwa parurimi rwake,
asingaitiri wokwake zvakaipa
uye asingatuki waagere naye,
4anozvidza munhu akaipa
asi anokudza vaya vanotya Jehovha,
anochengeta mhiko yake
kunyange kana zvichirwadza,
5anokweretesa mari yake asingarevi mhindu
uye asingagamuchiri fufuro pamusoro pousina mhosva.

Munhu anoita izvi
haangatongozungunuswi.
Copyright information for SnaBDSC